Isaiah 63:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakutambudzika kwaʋo kwose naiye ʋo wakaŋga acitambudzika, mutumŋa, wakaʋaziʋisa ciso cake, wakaʋaponesa; wakaʋadzikinura noruɗo rwake netsitsi dzake, akaʋasimudza nokuʋatakura mazuʋa ose akare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mazuva ose akare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhamo yavo yose yavakaona yaivawo nhamo yake, uye mutumwa wokuvapo kwake ndiye akavaponesa, akavanunura norudo rwake uye netsiye dzake nyoro, akavasimudza akavatakura mumazuva ose akare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
Shona 2009?
Pakutambudzika kwavo kose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikunura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
Shona SUB 2002 Bible
Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.