Isaiah 64:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kubva paŋguʋa yakare ʋanhu haʋana‐kunzwa, kana kunzwisisa nenzeʋe, kunyaŋge neziso harina‐kuʋona Mŋari kunze kwenyu, iye unoɓatira ʋanomumirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, angabatsira avo vanomumirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira pasichigare hazvina kumbonzwika kana kupinda munhu munzeve kunyange ziso zvaro rati ramboona mumwe Mwari kunze kwenyu imimi, anoitira zvakadai vanotarisira kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
Shona 2009?
Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyangwe neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.