Isaiah 64:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munosoŋgana nounofarira kuita ɀakarurama, iʋo ʋanokuraŋgarirai panzira dzenyu; tarirai, makaŋga makatsamŋa, nesu takatadza; takaŋga takaɗaro ŋguʋa refu, ɀino tiŋgaponeswa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munosanganawo naanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu imi. Handiti makashatirwa, isu tichikutadzirai tagarisa muzvitadzo zvedu zvino tichaponeswawo here iyesu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
Shona 2009?
Munosangana nowanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
Shona SUB 2002 Bible
Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?