Isaiah 64:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti isu tose taʋa sounetȿina, kururama kweɗu kwose kwafanana neŋguʋo inetȿina; isu tose tinowoma seshizha, ɀakaipa ɀeɗu ɀinotibvisa semhepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tose zvedu isu, tangova somunhu akan'ora. Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita zvava kunge hanzu dzakatindivara. Tose tabhuruvara seshizha. Zvino uipi hwedu uhu hunotipupurutsa semhepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
Shona 2009?
Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.