Isaiah 65:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndicakutemerai muʋurawe nomunondo, imi mose mucakotamira pakuɓayiwa; nokuti paŋguʋa yandakaɗana, hamuna‐kupindura; paŋguʋa yandakataura, hamuna‐kunzwa; asi makaita ɀakaipa pamberi paŋgu, mukasanaŋgura ɀandakaŋga ndisiŋgafariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndichakugumisai nomunondo, uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe, nokuti ndakadana asi hamuna kudavira, ndakataura asi hamuna kuteerera. Makaita zvakaipa pamberi pangu mukasarudza zvisingandifadzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chenyu imi chandakutemerai kufa muchiurayiwa namapakatwa, mose mucharakatiswa kufa, nokuti ndakakudaidzaika ini asi hamuna kudaira. Pandaitaura, hamunaka kuteerera. Zvandinoti zvakaipa ndozvacho zvamakatoita, muchisarudza zvenyu kuita zvinhu zvandisingadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”
Shona 2009?
"Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imwi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”