Isaiah 65:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti aninani unoɀiti ndakaropafadzwa panyika, ucati ndakaropafadzwa naMŋari waɀokwaɗi; nokuti maɗambudziko okutaŋga akakaŋganikwa, nokuti aʋanzirwa meso aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinenge zvava panyika ndezvokuti, munhu anenge ava kuda chikomborero, achakumbira kukomborerwa naMwari wechokwadi, neanenge oda kupika mhiko pasi pano achazopika naMwari wechokwadi. Ndinodaro nokuti nhamo dziye dzakare dzichange dzakanganwika dzisisimo mumaziso angu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti madambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.
Shona 2009?
kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.
Shona SUB 2002 Bible
kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.