Isaiah 65:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, ndinosika ɗeŋga idɀa nenyika itȿa; ɀinhu ɀakare haɀiŋgaraŋgarirwi, kana kufuŋgwa mumŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chionai kuti ndava kusika denga idzva nenyika itsva. Zvinhu zvakare zviya hazvichazoyeukwa kana kuuya hazvo mumusoro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomwoyo.
Shona 2009?
"Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomoyo.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomwoyo.