Isaiah 65:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hapaŋgazoʋi’po rushiye runamazuʋa mashoma, kana mutana usino‐kuȿitsa mazuʋa ake; nokuti mŋana ucafa apedza makore anezana, nomutadzi ucarobga nokutukwa kana aȿika makore anezana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mariri hamungazovizve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.
Shona 2009?
Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.
Shona SUB 2002 Bible
Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.