Isaiah 65:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋgaʋaki dzimba, mumŋe acizogara’mo; haʋaŋgasimi, mumŋe acizodya; nokuti samazuʋa omuti, ndiɀo ɀicaita mazuʋa aʋanhu ʋaŋgu; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacapedza ŋguʋa huru ʋacifarira maɓasa amaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havachazovakizve dzimba dzinozogarwa, navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
Shona 2009?
Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.