Isaiah 65:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃere negwaiana ɀicafura pamŋe cete, shumba icadya ʋuswa senzombe, ʋuye guruʋa ricaʋa ɀokudya ɀenyoka. Haʋaŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, asi guruva richava chokudya chenyoka. Hazvichazokuvadzi kana kuparadza pamusoro pegomo rangu dzvene rose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhumhi nehwayana zvichafura pamwechete, shumba inenge yofura sora semombe, nyoka ichange yodya guruva. Zvinenge zvisisakuvadze kana kuparadza mugomo rangu rose zvaro rinoera,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene" ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Gava negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene” ndizvo zvinotaura Jehovha.