Isaiah 65:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ɀakafanana nomunhu kana aciwana waini itȿa musumbu remizambiriŋga, mumŋe akati: Usariparadza, nokuti mukomborero uri’mo; ndiɀo ɀandicaita nokuɗa kwaʋaranda ʋaŋgu, kuti ndirege kuʋaparadza ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’ saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu; handingavaparadzi vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Sezvinongoitawo waini kuti inowanikwa muchitsumbu chamagirepisi, vanhu vachiti regai kuchiparadza nokuti machiri mune chikomborero izvozvi, ndozvineni, pamusana pavaranda vangu handisi kuzovaparadza vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remidzambiringa, mumwe akati, ‘Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.’
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, `Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, ‘Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.’