Isaiah 66:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farai pamŋe cete neJerusarema, mufare pamsoro paro, imi mose, munoriɗa; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munoricema;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise, imi mose munorinda; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema;
Shona 2009?
"Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imwi mose munorida, farai nomufaro mukuru naro, imwi mose munorichema;
Shona SUB 2002 Bible
“Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema;