Isaiah 66:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaritambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi aʋanhu sorwizi runofema kunze; imi mucamna, mucaɓerekwa pahudyu, mucaʋaraidzwa pamabvi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvanzi naJehovha, “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchanwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imwi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’