Isaiah 66:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucaɀiʋona, mŋoyo wenyu ucafara, namafupa enyu acamera seɓumhudza; ruʋoko rwaJehova rucazikanwa kunaʋaranda ʋake, asi ucaʋa nehasha naʋaʋeŋgi ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.”
Shona 2009?
Muchazviona, moyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikamwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake
Shona SUB 2002 Bible
Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.”