Isaiah 66:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, Jehova ucaʋuya nomŋoto, ŋgoro dzake dzicafanana necampupuri; kuti aratidze kutsamŋa kwake noʋukasha, nokutuka kwake nemiraɀo yomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai, ndinodaro nokuti, Tenzi achauya ari mumoto, ngoro dzake dzehondo dzichinge dutu remhepo, kuzotsiva nehasha achiranga namarimi omoto
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
Shona 2009?
Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.