Isaiah 66:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀinhu iɀi ɀose ɀakaitwa noruʋoko rwaŋgu, iɀi ɀinhu ɀose ɀakaitwa kuɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi ndicaraŋgarira munhu uyu, iye murombo unomŋeya wakaputsika, unoɗeɗera neshoko raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvose izvozvi ndini ndakazviita noruoko rwangu? Ipapo zvose izvi ndezvangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, asi munhu wandinocheuka munhu akadai izvi: munhu anozvidukupisa ane mwoyo wokutendeuka anodedera izwi rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
Shona 2009?
Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo ano mweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.