Isaiah 66:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaʋuyisa hama dzenyu dzose dzicibva kumarudzi ose, ciʋe cipo kunaJehova, ʋakataȿa mabiza, ʋari muŋgoro, nomuŋgoro dzinamateŋga, ʋakataȿa mahesera, namakamera, ʋaciʋuya kugomo raŋgu dɀene Jerusarema, seɀinoitwa naʋana ʋaIsraeri kana ʋaciʋuya neɀipo ɀaʋo mumudziyo wakanaka mumba maJehova — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamahesera uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namangamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana vaIsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namakamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana valsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzina matenga, vakatasva mahesera, namangamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana VaIsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.