Isaiah 66:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paŋguʋa iyo nyama yose icaʋuya kuzonamata pamberi paŋgu, pakugara kwomŋedzi mumŋe nomumŋe, napasaɓata imŋe neimŋe — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kubvira pakugara kwomwedzi kusvikira panozogarawo mumwe mwedzi, uye kubvira paSabata kusvikira pane rimwe Sabata, munhu wose zvake achange achiuya kuzondigwadamira,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara komwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.