Isaiah 66:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unoʋuraya nzombe wakaita sounoʋuraya munhu, unoɓayira gwaiana sounovuna mutsipa wembga, unoʋuya necipiriso coʋupfu sounoʋuya neropa reŋguruʋe, unopisira ɀinonhuwira sounotenda cifananidzo. Ɀirokwaɀo, ʋakaɀisanaŋgurira nzira dzaʋo, mŋeya waʋo unofarira ɀinonyaŋgadza ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ani naani anobayira hando anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvavakati kuuraya mombe kwakafanana nokuuraya munhu kana kuti anoita hwai chipiro zvakafanana nokutyora imbwa mutsipa kana anopira mupiro wembwesanwa akafanana neanopira ropa renguruve uye kuti munhu anopira mupiro wokuyeuka worusenzi akafanana neanoremekedza chifananidzo chokunamata, vanhu vakadai vanoita zvomusoro wavo vanofarira zvinhu zvavo izvozvo zvinosemesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
Shona 2009?
"Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuhwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Anouraya nzombe wakaita seanouraya munhu, anobayira gwayana seanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu seanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira seanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.