Isaiah 66:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai shoko raJehova, imi munoɗeɗera neshoko rake: Hama dzenyu, dzinokuʋeŋgai, dzakakudziŋgai nokuɗa kwezita raŋgu, dzakati: Jehova ŋgaaratidze ʋumambo bgake, kuti tiʋone mufaro wenyu; asi ndidzo dzicanyadziswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimbonzwai zviri kutaurwa naTenzi imi munodedera izwi rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, dzinokudzingai pamusana pezita rangu vakataura vachiti, ‘Regai iye Tenzi arumbidzwe, tione kufara kwenyu ikoko!’ Asi ivo ndivo vachanyadziswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, “Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.’
Shona 2009?
Inzwai shoko raJehovha, imwi munodedera neshoko rake, "Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, `Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa. '
Shona SUB 2002 Bible
Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, “Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.’