Isaiah 66:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko wakambonzwa cinhu cakaɗai? Ndiani wakamboʋona ɀinhu ɀakaɗai? Nyika iŋgaɓerekwa nezuʋa rimŋe here? Rudzi rwaʋanhu ruŋgaɀarwa pakarepo? Nokuti Zioni rakaŋgoti kurwadziwa, ndokuɓereka ʋana ʋaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
Shona 2009?
"Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.