Isaiah 7:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Cinzwai ɀino, imi imba yaDavidi: Cinhu ciɗuku kwamuri kuti munetse ʋanhu, ɀino moɗo‐kunetsa Mŋari waŋgu ʋo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguo here?
Shona 2009?
Akati, "Chinzwai zvino, imwi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here?
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguo here?