Isaiah 7:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakaʋudza imba yaDavidi, ʋaciti: ƲaSiria ʋaʋa pakati paʋaEfraimi. Mŋoyo wake nemŋoyo yaʋanhu ʋake ikazunuŋguswa sokuzunuŋguswa kwemiti muɗondo nemhepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, “VaSiria vava pakati pavaEfuremu.” Mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.
Shona 2009?
Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, "VaSiria vava pakati pavaEfuremu." moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, “VaSiria vava pakati pavaEfuremu.” Mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.