Isaiah 7:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro Ishe ucaʋeʋura neciȿo cakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiriya, musoro nemvere dzamakumbo; cicabvisa ʋo ndebvu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti avevure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Musi iwoyo Tenzi achagusa nechisvo chaanenge akwereta kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi chisvo chacho chiri chamambo weAsiria achigusa musoro nevhudzi rokumakumbo chichiwumbura nendebvu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musuro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.
Shona 2009?
Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri koRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.