Isaiah 7:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaenda’ko nemiseʋe noʋuta, nokuti nyika yose icamera rukato neminzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vanenge vava kutoenda kundovhima vaine uta nemiseve nokuti nyika yose ichange yangova minzwa norukato chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.
Shona 2009?
Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato nemhinzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.