Isaiah 7:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaIsaya: Enda ɀino undosoŋgana naAhazi, iwe naSheari‐jashubi, mŋanakomana wako, panoguma rukoroŋga rwedziʋa rokumsoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki weŋguʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Isaya, “Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguo;
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Isaya, "Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Isaya, “Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguo;