Isaiah 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
undoti kwaari: Cenjera, unyarare hako; usatya, nomŋoyo wako urege kupera nokuɗa kwamatsiga awa maʋiri anopfuŋgaira, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaRezini nokwaʋaSiria, nokwomŋanakomana waRemaria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
usvikoti kwaari, “Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya. Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa izvi zviviri zviri kupfungaira pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria nekwemwanakomana waRemaria
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
undoti kwaari, ‘Chenjera, unyarare hako; usatya, nomwoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.’ ”
Shona 2009?
undoti kwaari, `Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokomwanakomana waRemaria.' "
Shona SUB 2002 Bible
undoti kwaari, ‘Chenjera, unyarare hako; usatya, nomwoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga aya maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwaVaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.’ ”