Isaiah 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti musoro weSiria ndiDamasko, nomusoro weDamasko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, ʋaEfraimi ʋacaputswa‐putswa, kuti ʋarege kuʋa rudzi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi, uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti? (Kusati kwapera makore makumi matanhatu namashanu Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo zvokuti ichasara isisiri dzinza).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;
Shona 2009?
Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti musoro weSiria ndiDhamasikosi, nomusoro weDhamasikosi ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa–putswa, kuti varege kuva rudzi;