Isaiah 8:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋaciti kwamuri: Bvunzai maȿikiro naʋaʋuki, ʋanorira nokuita zeʋe‐zeʋe — ko ʋanhu haʋafaniri kubvunza Mŋari waʋo here? Ko ʋanofanira kubvunza ʋakafa pamsoro paʋapenyu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vachikutii, “Endai kundobvunzira kumidzimu nen'anga dzinoshwinya nokun'urun'uta, vanhu havafanire kundobvunza kuna Mwari wavo here? Vanofanira kundobvunzira kuvakafa here vachiitira vapenyu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana vachiti kwamuri, “Bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:” Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
Shona 2009?
Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:" Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana vachiti kwamuri, “Bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zeve–zeve.” Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?