Isaiah 8:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacafamba nenyika ʋakamanikidzwa kwaɀo, ʋanenzara; ɀino kana ʋanenzara, ʋacaʋa neshuŋgu, ʋacatuka mambo waʋo naMŋari waʋo, ʋacitarira kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanotambudzika, navane nzara vachafamba-famba nenyika; pavanotambu-dzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vachatunhaira nenyika vachishungurudzwa kwazvo nenhamo vaine nzara. Vaine nzara kudaro, vachaviruka nehasha vakatuka mambo wavo naMwari wavo vakatarisa kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
Shona 2009?
Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.