Isaiah 8:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacatarira ʋo pasi, asi tarirai, ʋacaʋona njodzi nerima, nokuȿiɓa kwokumanikidzwa; ʋacadziŋgirwa kurima guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachati tarisei pasi, onei matambudziko nerima nokusuruvadzwa nenhamo uye vachakandwa muzarima rakati kwirindindi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
Shona 2009?
Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
Shona SUB 2002 Bible
Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.