Isaiah 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye, waiʋa pakumanikidzwa, haaŋgazoʋi nerima. Paŋguʋa yokutaŋga wakaninipisa nyika yeZeburuni nenyika yeNaftari, asi paŋguʋa yaɀino wakaikudza, kurutiʋi rweguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, hakuchazovizve, nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea ravaHedheni, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
Shona 2009?
Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJodhani, Gareriya ravahedheni.