Isaiah 9:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaSiria pamberi, naʋaFiristia mushure, ʋacapedza Israeri nomuromo wakashama. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvichiti vaSiria kumabvazuva, vaFirisitia kumadokero miromo yakashama kuti vazhanye Isiraeri. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora uye muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona 2009?
vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona SUB 2002 Bible
VaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyangwe zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.