Isaiah 9:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika inotȿa nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova wehondo; ʋanhu ʋakaita sehuni dzinoʋeswa; hakunomunhu unenyasha nehama yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo, nyika inororoma kutsva vanhu vachiita sehuni dzomoto pasisina zvokunzwirana tsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.
Shona 2009?
Nyika inotsva nokuda kokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.
Shona SUB 2002 Bible
Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.