Isaiah 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
Shona 2009?
Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.