James 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti zuʋa rinoɓuɗa pamŋe cete nemhepo inopisa, ndokuwomesa ʋuswa; ruʋa rabgo rinowira pasi, nokunaka kwabgo kwakanga kwaʋonekwa kunopera; saiɀoɀo ʋo mufumi ucaȿaʋa panzira dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa rigoomesa uswa; ruva raro rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake.
Shona 2009?
Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuwomesa vuswa; ruva rabwo rinowira pasi, nokunaka kwabwo kwakanga kwavonekwa kunopera; saizvozvovo mufumi uchasvava panzira dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake.