James 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamunenge muchiedzwa, kurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu.
Shona 2009?
Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu.