James 1:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi munhu anonyatsotarisisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi munhu anocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita.
Shona 2009?
Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokangamwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa panezvaanoita.
Shona SUB 2002 Bible
Asi munhu anocherechedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita.