James 1:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake.
Shona 2009?
Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kunaMwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake.