James 2:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu unoceŋgeta murairo wose, akagumburwa kunecinhu cimŋe cete, waʋa nemhoȿa kuneɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose.
Shona 2009?
Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva.