James 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iye, wakati: Usaita ʋupombge, ndiye ʋo, wakati: Usaʋuraya. Ɀino, kana usiŋgaiti ʋupombge, asi uciʋuraya, waʋa muɗariki womurairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro.
Shona 2009?
Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurairo.