James 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukatarira uyo wakapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira papo, kana: Gara pasi pecitsiko cetsoka dzaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;”
Shona 2009?
mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu;
Shona SUB 2002 Bible
mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;”