James 3:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiani pakati penyu wakacenjera, wakaŋgwara? Ŋgaaratidze nomufambire wake wakanaka maɓasa ake noʋunyoro bgoʋucenjeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.
Shona 2009?
Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.