James 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kucenjera, kunobva kumsoro, ɀikuru kwakacena, ʋuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere neŋgoni neɀiɓereko ɀakanaka, kusiŋgatsauri kusiŋganyeŋgeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
Shona 2009?
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kuno rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.