James 3:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo.
Shona 2009?
Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wosevo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo.