James 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hama dzaŋgu, musareʋerana ɀakaipa. Unoreʋera hama yake ɀakaipa, kana kutoŋga hama yake, unoreʋera murairo ɀakaipa nokutoŋga murairo; ɀino kana ucitoŋga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutoŋgi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama dzangu musataure zvakaipa nezvavamwe. Munhu anotaura zvakaipa nezvehama kana kutsoropodza hama yake anotaurawo zvakaipa nezvomutemo uye anotsoropodza mutemo. Zvino kana uchitsoropodza mutemo hausi kuchengeta mutemo watova mutsoropodzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murayiro zvakaipa nokutonga murayiro; zvino kana uchitonga murayiro, hauzi muiti womurayiro, asi mutongi.
Shona 2009?
Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi.
Shona SUB 2002 Bible
Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi.