James 4:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
imi musiŋgaziʋi ɀamaŋgwana. Ʋupenyu bgenyu cinyiko? Nokuti muri mhute, inoʋonekwa ŋguʋa ɗuku, ndokunyaŋgarika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi zvamangwana musingambozviziva? Upenyu hwenyu chii? Nokuti muri mhute inongooneka kwechinguva yobva yanyangarika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.”
Shona 2009?
imwi musingazivi zvamangwana. Vupenyu bwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inovonekwa nguva duku, ndokunyangarika.
Shona SUB 2002 Bible
imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu Chiiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.”