James 4:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu uno ti shuʋa negoɗo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?”
Shona 2009?
Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti: Mweya, wakagarisa mukati medu unotishuva negodo?
Shona SUB 2002 Bible
Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?”