James 5:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ʋakatsuŋga mŋoyo tinoti ʋakaropafadzwa; makanzwa ɀokutsuŋgirira kwaJobo, makaʋona Ishe ɀaakaʋaʋarira naye, kuti Ishe unomŋoyo munyoro kwaɀo, unetsitsi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere nenyasha uye nengoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe anomwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi.
Shona 2009?
Tarirai, vakatsunga moyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makavona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe unomoyo munyoro kwazvo, unetsitsi.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe ano mwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi.