James 5:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, muɓairo waʋaranda ʋenyu ʋakaceka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyeŋgera, unoɗanidzira; nokuɗana kwaʋaceki kwakaȿika kunzeʋe dzaShe wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, mubayiro wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
Shona 2009?
Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaShe wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.